Home Search Countries Albums

Nherera

JAH PRAYZAH

Nherera Lyrics


Yochemera mukati nherera
Chabaya moyo chagudukira
Murwendo rwayo inenhorowondo
Zvakawanda yakaviga mdundundu

Yozvibonderesa pasi nherera
Chabaya moyo chagudukira
Murwendo rwayo inenhorowondo
Zvakawanda yakaviga mdundundu

Pfuma yenhaka vakagoverana
Ndiko kwakava kurova kwehama
Hakuna akazoti kwaziwayi
Munotamba here makadi

Babamunini nyakusara pavana
Taiti vachazotinyaradza
Hakuna akazoti kwaziwayi
Munotamba here makadi

Pfuma yenhaka vakagovana madiro
Pfuma yababa vanga vongoita madiro
Pfuma yenhaka vakagovana madiro
Pfuma yababa vanga vongoita madiro

Misodzi yangu haichina chirevo
Ndiro tsime rekufara kwavo
Mhere yangu haichina anonzwa
Vanongoti ndoyema

Misodzi yangu haichina chirevo
Ndiro tsime rekufara kwavo
Mhere yangu haichina anonzwa
Vanongoti ndoyema

Ndogogodza vozarura vopopota
Ndokumbira pashomapo vokwindimara
Voguta zvasara vorasa nemarara
Ndonhongerera, ndonhonga

Babamunini nyakusara pavana
Taiti vachazotinyaradza
Hakuna akazoti kwaziwayi
Munotamba here makadii

Pfuma yenhaka vakagovana madiro
Pfuma yababa vanga vongoita madiro
Pfuma yenhaka vakagovana madiro
Pfuma yababa vanga vongoita madiro

Babamunini inga mandigumbura
Inga mandigona (Vakagovana madiro)
Madiro, madiro
Madiro (Vanga vongoita madiro)

Babamunini inga mandigumbura
Aiwa mandigona (Vakagovana madiro)
Madiro, madiro
Madiro (Vanga vongoita madiro)

Enjoy Synced Lyrics With Our Mobile App

Download on Google PlayGet it on App Store

WATCH VIDEO

ABOUT THIS SONG


Release Year : 2021


Album : Gwara (Album)


Copyright : (c) 2021


Added By : Huntyr Kelx

SEE ALSO

AUTHOR

JAH PRAYZAH

Zimbabwe

Jah Prayzah (born on July 4, 1987 in Uzumba, Zimbabwe), is a Zimbabwean contemporary musician and le ...

YOU MAY ALSO LIKE