Humhandara Lyrics
Usazovata sedahwa kana kusvetuka ruzhowa
Unongokumbirawo kundiso
Shiri yakangwara inorambiramo mudendere Shamiso
Usarivara mwanasikana ukangodaro toti zvaringana
Wapona wagona
Ukaita chingwendere chemashanga
Vonokubata vokusiya vokanganwa
Chakachenjenza ndicho chakatanga
Usangomhanyira kubuda munhanga
Mudendere Shamiso usarivara mwanasikana
Ukangodaro toti zvaringana
Wapona wagona
Ndakakurumura pakuyamwa (Ndakakurumura pakuyamwa)
Kunze kwekunge arimahumbwe (Hakuna mwana anoita amai)
Woratidza kukosha kwehumhandara
Toti hoo urishasha uchiri mwana
Kunyangwe zvazvo (Ndakakurumura) pakuyamwa
Umhandara idamba kwamwe
Nokudaro kudzikama ndiyo nzira imwe
Takabva neko kare kare
Mwanangu muzivi wenzira yeparuvare ndiye mufambi wayo
Mangwana tichazosairira semombe (Umm mangwana)
Uchava chimhandara sevamwe (Mangwana)
Pauchagona kuzvirongera wega (Umm mangwana)
Wapona wagona (Mangwana)
Handingazofara kukandira
Mhodzi paruvare pasingakudze rudzi
Wandakabara ndiye wondipa misodzi
Kuyambuka inzira ibodzi
Haungazofare here kunzi nyeredzi
Inovhenekera marudzi nendudzi
Wagona wapona
Ndakakurumura pakuyamwa (Ndakakurumura pakuyamwa)
Kunze kwekunge arimahumbwe (Hakuna mwana anoita amai)
Woratidza kukosha kwehumhandara
Toti hoo urishasha uchiri mwana
Kunyangwe zvazvo (Ndakakurumura) pakuyamwa
Umhandara idamba kwamwe
Nokudaro kudzikama ndiyo nzira imwe
Takabva neko kare kare
Mwanangu muzivi wenzira yeparuvare ndiye mufambi wayo
WATCH VIDEO
ABOUT THIS SONG
Release Year : 2021
Album : Gwara (Album)
Copyright : (c) 2021
Added By : Huntyr Kelx
SEE ALSO
AUTHOR
JAH PRAYZAH
Zimbabwe
Jah Prayzah (born on July 4, 1987 in Uzumba, Zimbabwe), is a Zimbabwean contemporary musician and le ...
YOU MAY ALSO LIKE