Home Search Countries Albums

Humhandara

JAH PRAYZAH

Humhandara Lyrics


Usazovata sedahwa kana kusvetuka ruzhowa
Unongokumbirawo kundiso
Shiri yakangwara inorambiramo mudendere Shamiso
Usarivara mwanasikana ukangodaro toti zvaringana
Wapona wagona

Ukaita chingwendere chemashanga 
Vonokubata vokusiya vokanganwa
Chakachenjenza ndicho chakatanga
Usangomhanyira kubuda munhanga
Mudendere Shamiso usarivara mwanasikana
Ukangodaro toti zvaringana
Wapona wagona

Ndakakurumura pakuyamwa (Ndakakurumura pakuyamwa)
Kunze kwekunge arimahumbwe (Hakuna mwana anoita amai)
Woratidza kukosha kwehumhandara
Toti hoo urishasha uchiri mwana
Kunyangwe zvazvo (Ndakakurumura) pakuyamwa

Umhandara idamba kwamwe
Nokudaro kudzikama ndiyo nzira imwe
Takabva neko kare kare
Mwanangu muzivi wenzira yeparuvare ndiye mufambi wayo

Mangwana tichazosairira semombe (Umm mangwana)
Uchava chimhandara sevamwe (Mangwana)
Pauchagona kuzvirongera wega (Umm mangwana)
Wapona wagona (Mangwana)

Handingazofara kukandira 
Mhodzi paruvare pasingakudze rudzi
Wandakabara ndiye wondipa misodzi
Kuyambuka inzira ibodzi
Haungazofare here kunzi nyeredzi 
Inovhenekera marudzi nendudzi
Wagona wapona

Ndakakurumura pakuyamwa (Ndakakurumura pakuyamwa)
Kunze kwekunge arimahumbwe (Hakuna mwana anoita amai)
Woratidza kukosha kwehumhandara
Toti hoo urishasha uchiri mwana
Kunyangwe zvazvo (Ndakakurumura) pakuyamwa

Umhandara idamba kwamwe
Nokudaro kudzikama ndiyo nzira imwe
Takabva neko kare kare
Mwanangu muzivi wenzira yeparuvare ndiye mufambi wayo

Enjoy Synced Lyrics With Our Mobile App

Download on Google PlayGet it on App Store

WATCH VIDEO

ABOUT THIS SONG


Release Year : 2021


Album : Gwara (Album)


Copyright : (c) 2021


Added By : Huntyr Kelx

SEE ALSO

AUTHOR

JAH PRAYZAH

Zimbabwe

Jah Prayzah (born on July 4, 1987 in Uzumba, Zimbabwe), is a Zimbabwean contemporary musician and le ...

YOU MAY ALSO LIKE