Home Search Countries Albums

Kutenda Lyrics

Gore rapera titende tapinda
Tachengetwa ne nyasha
Musadhibhe machinda, kutenda (kutendaaa)
Titende tapinda ,tachengetwa nenyasha
Musadhibhe machinda, kutenda (kutendaaa)

Dariro ngarikure ndipemberere, nditambe kudzana
Kufaririra ndoita sadhavhidha kurimbi nyuka
Mai vangu regai kundi popoterai
Gore rino ndatokurira, rinouya ndinokurira
Vateye muteyo ndino chirika
Ndine ngoni dzino kurira

Heyyy vaiti ndicha koromoka, varoyi munodyairira 
Ndipe huswa nditombo non'ona Jehovah vandi komborera
Rumbidzwai munopa huchi nemukaka kuvanhu vanonyengetera
Iiih ratopera ndichirarama, regedza ndingotenda ishe
Rinouya ndichararama saka ndongotenda ishe

Mwari ndomutenda, ndomutenda
Rega ndimutende, ndimutendee
Haaa ndomutenda, ndomutenda

Gore rapera titende tapinda
Tachengetwa ne nyasha
Musadhibhe machinda, kutenda (kutendaaa)
Titende tapinda ,tachengetwa nenyasha
Musadhibhe machinda, kutenda (kutendaaa)

Pakaitika tsaona hauna kuparara saka tenda
Makore urimuchipatara hauna kuparara saka tendaa
Urimupenyu nanhasi pakati pevamwe urikufema
Zvako zviri kuendeka hapana kushupika kuda kwedenga
Kutenda kutenda kutenda ngatitende life, haisi yekutenga
Tese takapihwa pachena nedenga chatingangoita chete tese kutenda 

Gore rapera titende tapinda
Tachengetwa ne nyasha
Musadhibhe machinda, kutenda (Kutendaaa)
Titende tapinda ,tachengetwa nenyasha
Musadhibhe machinda, kutenda (Kutendaaa)
 
Saka simudza maoko mudenga, ropafadzwa nengoni dzemudenga
Ukava nemoyo wekutenda ishe havambo kusiye mugwenga

Anoziva remangwana ndiyani, fara nhasi, mangwana haazikanwi
Mweya wekufema unawo
Zvatenderwa nayaweh kuti ufare

Watokomborerwa urimupenyu nanhasi, vakafa havana chavakaona
Watokomborerwa wararama nazvino, vakafa havana chavakaona

Gore rapera titende tapinda
Tachengetwa ne nyasha
Musadhibhe machinda, kutenda (kutendaaa)
Titende tapinda, tachengetwa nenyasha
Musadhibhe machinda, kutenda (kutendaaa)
Tapinda nenyasha 
Machinda musakanganwa, kutenda

Enjoy Synced Lyrics With Our Mobile App

Download on Google PlayGet it on App Store

WATCH VIDEO

ABOUT THIS SONG


Release Year : 2020


Album : Kutenda (Single)


Copyright : (c) 2020


Added By : Huntyr Kelx

SEE ALSO

AUTHOR

FREEMAN HKD

Zimbabwe

Freeman real name Slyvester Emegy Chizanga  is one of the most successful dancehall artists fro ...

YOU MAY ALSO LIKE