Home Search Countries Albums

Nyaya Yerudo

JAH PRAYZAH

Nyaya Yerudo Lyrics

                                Nyaga-Yerudo
Unondiwana
Ndakamira Panzvimbo Iye
Ndenge Ndimire
Ndenge Ndirimo Muchimana
Yo ! Unondiwana
Ndakamira Panzvimbo Iye
Yo ! Ndenge Ndimire
Ndenge Ndirimo Muchimana

Ruva Rangu  
Uri Chiedza
Nekuti Ndiwe Mwenje Wangu
Mudima Rezhizha
Svovi Yangu
Uri Hupenyu
Nekuti Ndiwe Nvura Yangu
Inoyerera Zvisina Shungu

Zvakaipa Zvose
Zvoyereedzwa
Hmmm Nepaunotsika
Hapakukanganwe

Inyaya Yerudo Mhai  
Inyaya Yerudo Inopa Kudai
Inyaya Yerudo Mhai  
Inyaya Yerudo Inopa Kudai

Zambuko
Tichagara Tayambuka
Shanduko
Tichakumbira Kudenga
Mbereko
Ukandipa Vana Unenge Wandipa
Humambo
Pembera, Pembera

Ruva Wangu
Uri Chiedza
Nekuti Ndiwe Mwenje Wangu
Mudima Rezhizha
Svovi Yangu
Uri Hupenyu
Nekuti Ndiwe Mvura Yangu
Inoyerera Zvisina Shungu
Zvakaipa Zvose
Zvoyereedzwa
Hmmm Nepaunotsika
Hapakukanganwe

Inyaya Yerudo Mhai
Inyaya Yerudo Inopa Kudai
Inyaya Yerudo Mhai
Inyaya Yerudo Inopa Kudai

Chada Moyo Chine Nhardo
Chinoda Mhinduro
Usawora Moyo Kanga Nyama
Ndichasvika Mauro
Ahunde, Ahunde
Ndichaimba Karwiyo
Nemoyo Wakachena
Semwedzi Wechirimo

Unondiwana
Ndakamira Panzvimbo Iye
Yo ! Ndenge Ndimire
Ndenge Ndirimo Muchimana
Yo !  Unondiwana
Ndakamira Panzvimbo Iye
Ndenge Ndimire
Ndege Ndirimo Muchimana

Inyaya Yerudo Mhai
Inyaya Yerudo Inopa Kudai
Inyaya Yerudo Mhai
Inyaya Yerudo Inopa Kudai

Kuseri Seri,
Kuseri Seri
Kwemoyo Wangu
Kuseri Seri
Kwemoyo Wangu
Owww Mhai

 

Enjoy Synced Lyrics With Our Mobile App

Download on Google PlayGet it on App Store

WATCH VIDEO

ABOUT THIS SONG


Release Year : 2020


Album : Hokoyo (Album)


Added By : Afrika Lyrics

SEE ALSO

AUTHOR

JAH PRAYZAH

Zimbabwe

Jah Prayzah (born on July 4, 1987 in Uzumba, Zimbabwe), is a Zimbabwean contemporary musician and le ...

YOU MAY ALSO LIKE