Home Search Countries Albums

Ndabvunza Emanuwere

MAMBO DHUTERERE

Ndabvunza Emanuwere Lyrics


(Ini ndabvunza Emanuwere)

Ndiregererei baba nekubvunzurudza kungodawo kuziva
Idi zvirimo zvizere mumagwaro kuti takasikwa na Ishe 
Takasiikwa na Ishe ende takafanana Nashe
Asi Lucifer haana kusika here vakafanana nayewo

Nekuti kunevamwe vane moyo mikukutu kudarika dhimoni
Semukadzi wa herudhe varikutoda musoro wangu
Ende ukaona vavhura muromo vavakutosvipa huturu 
Seenduru muMoyo kuvava, vanodarika huriri

Handina kufungira kuti vanoshanda ne dhimoni 
Ini handinai kana kuziva kuti vane hunhu hwa dherira
Ndaiona kusekerera ndichiti zvimwe vanondifarira 
Izvo sembwa hakuzi kuseka kuburitsa meno kuda kuruma

Kutoruma zvekubvarura bvarura zvekusvika pa bvupa
Vaakandi baaya panodzimba moyo
Ende chava kutopora chironda vanodzokorora
Bhuku roti ndikanganwire asi zvotokona moyo
Idi ndirindoga ndatokundika saka chitodzika ngoni

Ndakavatadzireiko, nhai ndaka tadzeiko
Zvovokoniwa kana kurara vachindirongera kuwa
Voita hukasha kunge rovambira kuda kundigon'ora nhova 
Mazinzeve kumira setsuro kuda kunzwa kuti ndakoromoka

Dai murawo waibvuma vaitondiviga ndichifema
Haavana mufaroo, moyo yavo ine ruvengo 
Varikuti zvese zvinotapira tapira dai zviri zvekwavo
Tetekera uvanzwe, verurimi rwunouraya varikuti 
Zvese zvino chachira chachira (Kuvava) 
Ndizvo zvive zvekwedu

Hondo yavo ndeya sauro iyi haizi kupera mufunge
Varikuti Davita ifa haumbopatonga ufunge
Havazive ndakasarudzwa ndakadirwa mafuta msoro
Hondo handirwe ini dzinorwiwa newekumusoro

Mukaona ndasimudza tsvimbo munotaparara mose

Babaa Emanuwere
Dzikaka Emanuwere kaa
Ndakumbira Manuwere kaa 

Babaa Emanuwere
Dzikaka Emanuwere kaa
Ndakumbira Manuwere kaa 

Kana uri muti chingokwira unyerere sa Zakeo
Ukavaudza vanoutema votogobora midzi
Ndivo vanofona vachiti makorokoto nekuuya nezvipo
Izvo kukandira makoko mudziva kuda kukuita husavi

Havasi vaeni avo ngwarira unoparara hezekaya
Vatotumwawo na Mambo bherodhaki
Varikubva bhabhirona
Kukupuruzira handi kukuda, bvunza Samusoni
Varikutishanda nava firisiya inzwa Samusoni 
Kana kutsvodwa handi kudiwa, bvunva Manuwere

Vapihwa mari kuti urovererwe bvunza Manuwere 
Saka ndongovimba nashe vanovhura makungwa
Zvaoma baba vanovhura makungwa

Rega ndingovimba nashe vanodzimura mota
Vandikande baba vanodzimura moto
Ndana Nebukadhineza vandivesera moto
Vandikande baba chindidzimira moto

Enjoy Synced Lyrics With Our Mobile App

Download on Google PlayGet it on App Store

WATCH VIDEO

ABOUT THIS SONG


Release Year : 2020


Album : Zvinodzimba Ngoni (EP)


Copyright : (c) 2020


Added By : Huntyr Kelx

SEE ALSO

AUTHOR

MAMBO DHUTERERE

Zimbabwe

Mambo Dhuterere, real name Darlington Mutseta, is a Zimbabwean Gospel Artist and Song Writer based i ...

YOU MAY ALSO LIKE