Ndichiyamwa Lyrics

(Wagwizi, aah)
Mmmh, Ayolizer
Baba vakarovera kumaruva
Mama ndokuchonera marimuka
Upenyu hwacho hwakasara
Hwoita manyama amire nerongo
Oh Mama makandisiya ndichiyamwa
Upenyu hwacho hwakasara
Hwoita manyama amire nerongo
Oh Mama makandisiya ndichiyamwa
Shoko rimwe ro randoshuwa
Ripinde munzeve dzenyu
Ndopunyaira ndotsumwaira
Ndanga ndiriparunguwe
Nemusumbu wenzimbe
Nekatsapo kangu kematohwe
Ndakamirira shunguhwe
Ndanga ndiriparunguwe
Nemusumbu wenzimbe
Nekatsapo kangu kematohwe
Ndakamirira shunguhwe
Rudo rwaamai
Ndoruonera kumaroto
Rudo rwaamai
Inga! Rwakakurisa kudarika mukana
Rudo rwaamai
Ndoruonera kumaroto
Rudo rwaamai
Inga! Rwakakurisa kudarika mukana
Upenyu hwacho hwakasara
Hwoita manyama amire nerongo
Oh Mama makandisiya ndichiyamwa
Uhmm! Upenyu hwacho hwakasara
Hwoita manyama amire nerongo
Oh Mama makandisiya ndichiyamwa
Kana tsamba zvayo
Kuti gwendo gwangu gwagugwa ndichauya mangwana
Ini rindire guyo sembwa
Makanoita chichoni kachana
Ndokuomoka mukurota
Ndichishuwira kuona minana
Ini rindire guyo sembwa
Makanoita chichoni
Ndanga ndiri parukunguwe
Nemusumbu wenzimbe
Nekatsapo kangu kematohwe
Ndakamirira shunguhwe
Ndanga ndiri parukunguwe
Nemusumbu wenzimbe
Nekatsapo kangu kematohwe
Ndakamirira shunguhwe
Rudo rwaamai
Ndoruonera kumaroto
Rudo rwaamai
Inga! Rwakakurisa kudarika mukana
Rudo rwaamai
Ndoruonera kumaroto
Rudo rwaamai
Inga rwakakurisa kudarika mukana
Upenyu hwacho hwakasara
Hwoita manyama amire nerongo
Oh Mama makandisiya ndichiyamwa
Ummm! Upenyu hwacho hwakasara
Hwoita manyama amire nerongo
Oh Mama makandisiya ndichiyamwa
WATCH VIDEO
ABOUT THIS SONG
Release Year : 2021
Album : Gwara (Album)
Copyright : (c) 2021
Added By : Huntyr Kelx
SEE ALSO
AUTHOR
JAH PRAYZAH
Zimbabwe
Jah Prayzah (born on July 4, 1987 in Uzumba, Zimbabwe), is a Zimbabwean contemporary musician and le ...
YOU MAY ALSO LIKE