Home Search Countries Albums

Ndichiyamwa

JAH PRAYZAH

Ndichiyamwa Lyrics


(Wagwizi, aah)
Mmmh, Ayolizer

Baba vakarovera kumaruva
Mama ndokuchonera marimuka
Upenyu hwacho hwakasara 
Hwoita manyama amire nerongo
Oh Mama makandisiya ndichiyamwa

Upenyu hwacho hwakasara 
Hwoita manyama amire nerongo
Oh Mama makandisiya ndichiyamwa

Shoko rimwe ro randoshuwa 
Ripinde munzeve dzenyu
Ndopunyaira ndotsumwaira
Ndanga ndiriparunguwe
Nemusumbu wenzimbe
Nekatsapo kangu kematohwe
Ndakamirira shunguhwe

Ndanga ndiriparunguwe
Nemusumbu wenzimbe
Nekatsapo kangu kematohwe
Ndakamirira shunguhwe

Rudo rwaamai
Ndoruonera kumaroto
Rudo rwaamai
Inga! Rwakakurisa kudarika mukana

Rudo rwaamai
Ndoruonera kumaroto
Rudo rwaamai
Inga! Rwakakurisa kudarika mukana

Upenyu hwacho hwakasara 
Hwoita manyama amire nerongo
Oh Mama makandisiya ndichiyamwa
Uhmm! Upenyu hwacho hwakasara 
Hwoita manyama amire nerongo
Oh Mama makandisiya ndichiyamwa

Kana tsamba zvayo
Kuti gwendo gwangu gwagugwa ndichauya mangwana
Ini rindire guyo sembwa
Makanoita chichoni kachana
Ndokuomoka mukurota
Ndichishuwira kuona minana
Ini rindire guyo sembwa
Makanoita chichoni

Ndanga ndiri parukunguwe
Nemusumbu wenzimbe
Nekatsapo kangu kematohwe
Ndakamirira shunguhwe
Ndanga ndiri parukunguwe
Nemusumbu wenzimbe
Nekatsapo kangu kematohwe
Ndakamirira shunguhwe

Rudo rwaamai
Ndoruonera kumaroto
Rudo rwaamai
Inga! Rwakakurisa kudarika mukana

Rudo rwaamai
Ndoruonera kumaroto
Rudo rwaamai
Inga rwakakurisa kudarika mukana

Upenyu hwacho hwakasara 
Hwoita manyama amire nerongo
Oh Mama makandisiya ndichiyamwa
Ummm! Upenyu hwacho hwakasara 
Hwoita manyama amire nerongo
Oh Mama makandisiya ndichiyamwa

Enjoy Synced Lyrics With Our Mobile App

Download on Google PlayGet it on App Store

WATCH VIDEO

ABOUT THIS SONG


Release Year : 2021


Album : Gwara (Album)


Copyright : (c) 2021


Added By : Huntyr Kelx

SEE ALSO

AUTHOR

JAH PRAYZAH

Zimbabwe

Jah Prayzah (born on July 4, 1987 in Uzumba, Zimbabwe), is a Zimbabwean contemporary musician and le ...

YOU MAY ALSO LIKE