Home Search Countries Albums

Mwana WaMambo

JAH PRAYZAH

Mwana WaMambo Lyrics


Mwana WaMambo Akachengetwa Nehondo
Anenge Ruva Riripasanzu rinobaya
Kana Womupfimba Wopfimba Wakaringa Nzira
Nekuti Hondo inouya Uripo
Wakanotora Wega Mbeu YehuMambo
Vachazokubvunza zuva remuripo
Kana Womupfimba Wopfimba Wakaringa Nzira
Nekuti Hondo Inouya Uripo

Ende haudzirote Dzinorota vamwe haudzirote
Uchatokungurutsa Dombo Regoridhe
Ukadzamba dzamba (Zvaoma)
Ukandandama (Zvaoma)
Ukatsenga Mukanwa (Zvaoma)
Iwe vanokanda miseve  (Zvaoma)
Ende hauridye rinopisa hauridye
Uchatokungurutsa Dombo Regoridhe
Ukadzamba dzamba (Zvaoma)
Ukandandama (Zvaoma)
Ukatsenga Mukanwa (Zvaoma)
Iwe vanokanda museve  (Zvaoma)

Washinga kudogorera Mwana WaMambo
Woshuva kusanganiswa nehumambo
Hmm Wadenha magwiro Wadenha hombiro
Haikona kuzemberana neMwana WaMambo

Washinga kudongorera Mwana WaMambo
Woshuva kusanganiswa nehumambo
Wadenha magwiro Wadenha hombiro
Haikona kuzemberana neMwana waMambo

Wakanzi mwanasikana usabude mudendere
Muzunde raMambo mugamuke tsekwende
Mambo kwindima
Mwanasikana kwindima
Aaah Kwindima
Muromo mumhino kwindima
Wakanzi mwanasikana usabude mudendere
Muzunde raMambo mungamuke tsekwende

Mambo Kwindima
Mwanasikana kwindima
Aaah Kwindima muromo mumhino kwindima

Nyemwerera mwana mutema
Tione saka machena aya
Chinguri ndakabviro kanda shoko rerudo
(Ahaaa ah) Rerudo ( aaah haa)

Nyemwerera mwana mutema
Tione saka nemeno machena aya
Chinguri ndakabviro
Kanda shoko rerudo
(Ahaaa ah) Rerudo ( aaah haa)

Ndini uyo inzwai mukoma ndini uyo
Chengeta muhana usareve remuromo
Ndafunga kufamba mudima
Musina anaronda
Ndafunga kupotera
Pamuzinda waMambo

Ndini uyo
Inzwai mukoma ndini uyo
Chengeta muhana usareve remuromo
Ndafunga kufamba mudima
Musina anoronda
Ndafunga kupotera
Pamuzinda waMambo

Ende haudzirote Dzinorota vamwe haudzirote
Uchatokungurutsa Dombo Regoridhe
Ukadzamba dzamba (Zvaoma)
Ukandandama (Zvaoma)
Ukatsenga Mukanwa (Zvaoma)
Iwe vanokanda miseve  (Zvaoma)
Ende hauridye rinopisa hauridye
Uchatokungurutsa Dombo Regoridhe
Ukadzamba dzamba (Zvaoma)
Ukandandama (Zvaoma)
Ukatsenga Mukanwa (Zvaoma)
Iwe vanokanda museve  

Ndapfidza
Ndakadarika mwero Ndapfidza (Tirimuchirangano)
Ndabvunza (chirangano)
Kunamwari  Akasika (Tirimuchirangano)
Takabvumirana (chirangano)
Tichagara kwemakore zana (Tirimuchirangano)
Vakabatikana (chirangano)
Changamire vakabatikana (Tirimuchirangano)


Ndapfidza (chirangano)
Ndakadarika mwero Ndapfidza (Tirimuchirangano)
Ndabvunza (chirangano)
Kunamwari  Akasika (Tirimuchirangano)
Takabvumirana (chirangano)
Tichagara kwemakore zana (Tirimuchirangano)
Vakabatikana (chirangano)
Changamire vakabatikana (Tirimuchirangano)

Ndapfidza (chirangano)
Ndakadarika mwero Ndapfidza (Tirimuchirangano)
Ndabvunza (chirangano)
Kunamwari  Akasika (Tirimuchirangano)
Takabvumirana (chirangano)
Tichagara kwemakore zana (Tirimuchirangano)
Vakabatikana (chirangano)
Changamire vakabatikana (Tirimuchirangano)

 

 

Enjoy Synced Lyrics With Our Mobile App

Download on Google PlayGet it on App Store

WATCH VIDEO

ABOUT THIS SONG


Release Year : 2020


Album : Hokoyo (Album)


Added By : Afrika Lyrics

SEE ALSO

AUTHOR

JAH PRAYZAH

Zimbabwe

Jah Prayzah (born on July 4, 1987 in Uzumba, Zimbabwe), is a Zimbabwean contemporary musician and le ...

YOU MAY ALSO LIKE