Home Search Countries Albums

Munyaradzi

JAH PRAYZAH

Munyaradzi Lyrics


Hee tsviriyo dzamara tasangana
Wandigumbura
Ndizvozvo dzamara tasangana (Wandigumbura)
Ipapo pandaigara
Ipapo dhiya ndipo pawaigarawo
Ipapo pataivata
Dzimwe nguva tairumwa nemarize
Zviri mberi taingobvunza mwari
Mutemberi kumberi kunei ?
Kunyangwe mvura yekutambudzika
Payaidzika nematama ndaivepo
Kuva munyaradzi, ndini ndaive munyaradzi
Kuva munyaradzi, ndini ndaive munyaradzi

Akazondisiya ndirimo munhamo ndega
Tokonyana,yanga tatokonyana
Ko sei ko mwendamberi mayaure mega ?
Takonana, tanga tatokonana
Ndakamuti tsviriyo tosangana mberiyo
Takaknyana, tanga tatokanyana
Homwe yakazosara yozara nemezana
Tapokana, tanga tatopokana
Azi watokanganwa kamhepo kaitirova muchando?
Gumbeze rimwe chete rawaiziva ndini wako
Wakambotsva maoko nekapoto kasina mubato
Mbuya yakakurapa takaiwana tafamba chinhambo
Inga watovaraidzwa nemaruva, semavara eshato
Dai ndaive nemari nguva yacho, ndaigoronga muchato
Vaizongotiona tapota nesango
Dai ndaive nemari nguva yacho, ndaingoronga muchato
Vaizongotiona tapota nesango, palzouya mhepo ndini ndaive bako
Kunyangwe mvura yekutambudzika
Payaidzika nematama ndaivepo
Kuva munyaradzi, ndini ndaive munyaradzi
Kuva munyaradzi, ndini ndaive munyaradzi

Akazondisiya ndirimo munhamo ndega
Tokonyana,yanga tatokonyana
Ko sei ko mwendamberi mayaure mega ?
Takonana, tanga tatokonana
Ndakamuti tsviriyo tosangana mberiyo
Takaknyana, tanga tatokanyana
Homwe yakazosara yozara nemezana
Tapokana, tanga tatopokana
Haiwa hurombo mukoma, ndainge ndakashoreka
Asi muhana tainge tavaka hukama
Ndoyedza kuvata wanike kwayedza
Varume ko inga kwachena asis handina chiedza
Zvese zviye, zvese zviye
Kwaingova kutungana kwembudzi varume
Anouya kuhope ndirere
Hope dzacho ndedze rumwe rudzi varume
Zvese zviye, zvese zviye
Kwaingova kutungana kwembudzi varume
Anouya kuhope ndirere
Hope dzacho ndedze rumwe rudzi varume

Enjoy Synced Lyrics With Our Mobile App

Download on Google PlayGet it on App Store

WATCH VIDEO

ABOUT THIS SONG


Release Year : 2020


Album : Munyaradzi (Single)


Added By : Farida

SEE ALSO

AUTHOR

JAH PRAYZAH

Zimbabwe

Jah Prayzah (born on July 4, 1987 in Uzumba, Zimbabwe), is a Zimbabwean contemporary musician and le ...

YOU MAY ALSO LIKE